Posted By Afro-Awesome Guest contributor
On Jul 5, 2018
Hama dzangu.
Tsamba iyi ndashaya matangiro nekutya zvaingagumise.
Magumo ehupenyu hwandakajaira.
Magumo emaonero amunondiita.
Iyi tsamba inokwanisa kupiringisha mararamiro edu.
Mawonero amunondiita ini pachangu, nemeso enyu
Iyi itsamba inesimba rokudzima ndangariro dzedu.
Panzvimbo pendangariro idzi potsvetwa zvanhasi.
Tsamba iyi ichasandura zvose zvandaiva
Panzvimbo pazvo potsvetwa izwi rimwe;
NGOCHANI
Handichava kasikana kaduku kaye kaitamba mahumbwe pachivanze,
Handichava kamwana kaye kamakadzidzisa kubhururutsa ndege yemashanga.
Handichazombova mhandara yenyu yamaidada nayo
Uya wamakaraira tsika nehunu kuti ramangwana rake rigove rakatwasanuka.
Aiwaba!
Handichava mhandara yamakapemberera pandakakunda mufundo yangu.
Uyo ramangwana raizadza moyo yenyu nechengero pamwe nemufaro
Nhasi ndave muyedzo.
Ndave chinhu chisingarehwi.
“Ndozvii izvi?” Muchabvunza.
“Handi mabasa aSamatenga aya.”
“Pachivanhu chedu hatidaro.”
“Sei uchida kuva mumwe wevanhu vakadaro?”
“MUMWE WAANI?” Ndabvunza neshungu.
“Ndagara ndiri mumwe wenyu wani, mumwe wemhuri ino. Mhuri yakandireera makore ose aya”
Makare angu adzvoterwa nedima reusiku, kwangosara nhasi.
Ramangwana rakazvimirira.
Ndafunga mberi, muchato wangu.
Muchato wamucharamba kuona,
Ndafunga zuva rekuzvarwa kwemwana wamucharamba hukama naye.
Chivanhu chedu, nerunako rwacho, handichachiwana.
Mafaro, mhembero nerairo dzangove ndangariro..
Tiri vana wenyu nyangwe mukareva nemazita eshungu nekusema
Mazita anocheka hukama hweropa.
Mazita anoreva kuti ini handichava mumwe wenyu, mumwe wemhuri ino
Mifananidzo yehumwe hwataiva huchava semazwi anonyorwa pamvhu ari pamakombe erwizi.
Mifananidzo iyi ichatorwa nemasai sai eruvengo rwenyu.
Humwe hwedu uchavhengenutswa neruvengo rwezvinonyadzisa zvandava pameso enyu.
Pfungwa dzangu dzadzoka kune ino nguva.
Ranhasi chipo, nguva ino chipo
Pari zvino muchiri kufara kundiona,
Kufara kundiziva. Kundida. Ndichiri mumwe wenyu
Mapapu angu agwamba nekutya. Kutya kushandura rudo urwu
Pfungwa dzotenderera, kufunga nzira dzose dzawarirwa mberiyo
Ndodii? Ndokutumirai tsamba iyi kana kuti ndoichengeta.
Ndizvo zviri muhana mangu.
Ndinodawo kamukana,
Kusvikira zvinoda kuti zviitiwe zvaitiwa
Ranhasi rinokwanisa kuve manyepo.
Rinamanyanga hariputirwi.
Parizvino regai ndimboedza kuputira hangu.
Regai ndizviputire mumagumbeze emufaro nerudo rwenyu.
Nyanga iyi isati yareva
Regai ndimboseka, ndimbonzwe kunyorova nekunyevenuka kwemoyo,
Ndimbozvifadze nemanyepo ekuti zvomene munondida, ini mwana wenyu,
Munondida pamwe nezvose zvandiri
Chero hazvo mumwoyo ndichiziva ‘Ini’wamunoda
Haiwa, regai ndizvinyepere hangu kuti denga ringawa asi imi hamufe makandirasa
Kuti handife ndakaita mumwe we ‘izvo’ zvamunosema , zvamunosvipa , nokutuka
Saka ndinonyemwerera.
Ndinonyemwerera , ndichiti pasi nekudzvanyirira ngochani.
Hudzvanyiriri “hwevanhu ava” hauna kunaka,
Runosvibisa moyo.
Ndinokurudzira kuti mufungisise nokuti ndiriwenharo.
“Kagure anoita zveungochani. Ane nharo basi. Ndofunga inguva yaaiva kumhiri kwemakungwa”
AIWABA!
Ndakazvarwa ndakadaro.
Zviri mumuviri handikwanisi kuhwandisa havi yandinayo.
Zviri mupfugwa dzangu dzakazarirwa mukati mehuma/pfuva* yangu yechiKikuyu.
Hapana zvakabva kuvatorwa.
Hapana zvitorwa pane zvandiri, munhu wandiri mukati
Kutaura chirungu kwandipa izwi.
Ndaigoreva nechirudzi chedu deno ndaikwanisa.
Ndaigoreva nendimi dzose dzemuno muAfrica dai mazwi acho aisanyadzisa vadzimu.
Vakuru vakati kare haadzokerwi, deno zvaibvira ndaidzokera kuvhima awo mazwi anoreva zvandiri. Kwete nenzira yekudzikisira asi anopa tsanangudzo.
Ariko mazwi asi pfungwa dzakasarudza hanganwa
Nyika yeAfrica inokanganwa mazwi aya asi zvatinonzwa mumoyo pamwe nemuviri hazvitisiye. Hazvitikanganwe.
Ndinonyora izvi sendakavhurwa meso nevari kumhepo. Muoni. Uyo ane nyora dzemasvinurirwa. Chiwoniso.
Pamwe ibuka basi rinoita kuti ndifunge kuti meso angu akasvinurwa
Pamwe handifaniri kuzvipomera mhosva asi kupomera mhosva runako rweruzivo rwunozivisa mwana kuti kugocha kunoda kwaAmai, moto unorura.
Nyika ino yakasviba, ganda nemweya. Mwoyo dzedu dzakaora tichiri vapenyu
Naizvozvo regai ndichengete tsamba iyi.
Handitumiri.
Kwete pari zvino
Kutya kwangu kuchandiputira nehutapwa.
Kuti ndangariro dzemakare angu dzigare
Kuti ‘ISU’ tiwanwe mukana hwekuve tose.
Ndinoshuwira kuva nemi.
…Magumo…
NaKagure
translated by dzivaramazwi (WE WERE HERE TOO .TAIVE PANO)